MYTOPFINDING

Munyaradzi Lyrics – Jah Prayzah

Mytopfinding.com 2 years ago in 0

Hee tsviriyo dzamara tasangana
Wandigumbura
Ndizvozvo dzamara tasangana (Wandigumbura)
Ipapo pandaigara
Ipapo dhiya ndipo pawaigarawo
Ipapo pataivata
Dzimwe nguva tairumwa nemarize
Zviri mberi taingobvunza mwari
Mutemberi kumberi kunei?
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi

Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana,yanga tatokonyana
Ko sei ko mwendamberi mayaure mega?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti tsviriyo tosangana mberiyo
Takaknyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemezana
Tapokana, tanga tatopokana
Azi watokanganwa kamhepo kaitirova muchando?
Gumbeze rimwe chete rawaiziva ndini wako
Wakambotsva maoko nekapoto kasina mubato
Mbuya yakakurapa takaiwana tafamba chinhambo
Inga watovaraidzwa nemaruva, semavara eshato
Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaigoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango
Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango, palzouya mhepo ndini ndaive bako
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi

Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana,yanga tatokonyana
Ko sei ko mwendamberi mayaure mega?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti tsviriyo tosangana mberiyo
Takaknyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemezana
Tapokana, tanga tatopokana
Haiwa hurombo mukoma, ndainge ndakashoreka
Asi muhana tainge tavaka hukama
Ndoyedza kuvata wanike kwayedza
Varume ko inga kwachena asis handina chiedza
Zvese zviye, zvese zviye
Kwaingova kutungana kwembudzi varume
Anouya kuhope ndirere
Hope dzacho ndedze rumwe rudzi varume
Zvese zviye, zvese zviye
Kwaingova kutungana kwembudzi varume
Anouya kuhope ndirere
Hope dzacho ndedze rumwe rudzi varume

Song by Jah Prayzah

Report Story

Related Stories

  1. Sound from Africa Lyrics – Rayvanny
  2. Silangazelela Wena (We Desire Lord to Serve You) Lyrics –...
  3. Aiwa Mwari Lyrics – Joyful Praise Choir Feat. Ebenezer Munyanyi
  4. Makanyanya Lyrics – Joyful Praise Choir
  5. Crossing Over Lyrics – Sharon Manatsa
  6. Many Blessings Lyrics – Janet Manyowa
  7. Makafanira Lyrics – Janet Manyowa
  8. Tariro Lyrics – Janet Manyowa
  9. Mambo WeMadzimambo Lyrics – Trevor Dongo Feat. kudzi Nyakudya
  10. Wadarirei Lyrics – Charlie Kay Feat. Trevor Dongo

MYTOPFINDING is blessedly updated always with Christian song lyrics. Contact us to add yours.

  • Home
  • Privacy
  • Copyright
  • Contact
Over 23500 Christian song lyrics.
Founded in Tamale, Ghana by Francis Quarshie.
To edify the body of Christ and to bring more souls into God's Kingdom.

2017 - 2022 © MYTOPFINDING.